Exodus 6

1Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Zvino uchaona zvandichaita kuna Faro. Nokuda kworuoko rwangu rune simba achavaregera kuti vaende; nokuda kworuoko rwangu rune simba achavadzinga munyika make.”

2Mwari akatiwo kuna Mozisi, “Ndini Jehovha. 3Ndakazviratidza kuna Abhurahama, kuna Isaka, nokuna Jakobho saMwari Wamasimba Ose, asi nezita rangu, Jehovha, handina kuzvizivisa kwavari. 4Ndakasimbisawo sungano yangu navo kuti ndivape nyika yeKenani, nyika yavakagara savatorwa. 5Pamusoro paizvozvo, ndanzwa kugomera kwavaIsraeri, vakabatwa muutapwa navaIjipita, uye ndarangarira sungano yangu.

6“Naizvozvo, uti kuvaIsraeri, ‘Ndini Jehovha, uye ndichakubudisai kubva pasi pejoko ravaIjipita. Ndichakusunungurai kuti musava nhapwa kwavari, uye ndichakudzikinurai noruoko rwakatambanudzwa uye nokutonga kwamabasa makuru. 7Ndichakutorai savanhu vangu, uye ndichava Mwari wenyu. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha Mwari wenyu, akakubvisai pasi pejoko ravaIjipita. 8Uye ndichakuuyisai kunyika yandakapika ndakasimudza ruoko kuna Abhurahama, kuna Isaka nokuna Jakobho. Ndichaipa kwamuri senhaka yenyu. Ndini Jehovha.’ ”

9Mozisi akazivisa izvi kuvaIsraeri, asi havana kumuteerera nokuda kwokuora mwoyo kwavo uye nousungwa hune utsinye.

10Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, 11“Enda undotaurira Faro mambo weIjipiti kuti arege vaIsraeri vabude munyika yake.”

12Asi Mozisi akati kuna Jehovha, “Kana vaIsraeri vasinganditeereri, Faro anganditeerera seiko, sezvo ndichitaura nemiromo inokakama?”

Nhoroondo yemhuri yaMozisi naAroni

13Zvino Jehovha akataura kuna Mozisi naAroni pamusoro pavaIsraeri napamusoro paFaro mambo weIjipiti, uye akavarayira kuti vabudise vaIsraeri kubva muIjipiti.

14Ava ndivo vaiva vakuru vemhuri dzavo:

Vanakomana vaRubheni mwanakomana wedangwe waIsraeri vaiva Hanoki naParu, Hezironi naKami.
Idzi ndidzo dzakanga dziri dzimba dzaRubheni.

15Vanakomana vaSimeoni vaiva Jemueri, Jamini, Ohadhi, Jakini, Zohari naShauri mwanakomana womukadzi muKenani.
Idzi ndidzo dzaiva dzimba dzaSimeoni.

16Aya ndiwo mazita avanakomana vaRevhi maererano nokunyorwa kwawo:
Gerishoni, Kohati naMerari.
(Revhi akararama makore zana namakumi matatu namanomwe.)
17Vanakomana vaGerishoni, nedzimba dzavo, vaiva Ribhini naShimei.
18Vanakomana vaKohati vaiva Amurami, Izhari, Hebhuroni naUzieri. Kohati akararama kwamakore zana namakumi matatu namatatu.
19Vanakomana vaMerari vaiva Mari naMushi.
Idzi ndidzo dzaiva dzimba dzaRevhi sokunyorwa kwadzo.

20Amurami akawana hanzvadzi yababa vake Jokebhedhi, uyo akamuberekera Aroni naMozisi.
(Amurami akararama kwamakore zana namakumi matatu namanomwe.)
21Vanakomana vaIzhari vaiva Kora, Nefegi naZikiri.
22Vanakomana vaUzieri vaiva Mishaeri, Erizafani naSitiri.
23Aroni akawana Erishebha mwanasikana waAminadhabhi nehanzvadzi yaNashoni, uye akamuberekera Nadhabhi naAbhihu, Ereazari naItamari.

24Vanakomana vaKora vaiva Asiri, Erikana naAbhiasafu.
Idzi ndidzo dzaiva dzimba dzavaKora.

25Ereazari mwanakomana waAroni akawana mumwe wavanasikana vaPutieri, uye akamuberekera Finehazi.

Ava ndivo vakanga vari vakuru vemhuri dzavaRevhi, mhuri nemhuri.

26Ndivo vaya vanaAroni naMozisi vakanzi naJehovha, “Budisai vaIsraeri muIjipiti namapoka avo.” 27Ndivo vakataura kuna Faro mambo weIjipiti pamusoro pokubudisa vaIsraeri kubva muIjipiti. Ndivo vamwe chetevo Mozisi naAroni.

Aroni anotaura akamiririra Mozisi

28Zvino Jehovha paakataura naMozisi muIjipiti, 29akati kwaari, “Ndini Jehovha. Taurira Faro mambo weIjipiti zvose zvandinokuudza.”

30Asi Mozisi akati kuna Jehovha, “Sezvo ndichitaura nemiromo inokakama, Faro angateerera kwandiri seiko?”

Copyright information for SnaBDSC